Zvizvarwa zvemuZimbabwe gumi nezvishanu zvange zviri muhunhapwa kuKuwait neSaudi Arabia zviri kutarisirwa munyika nemusi weChina mushure mekunge zvatengerwa matikiti nebazi rehurumende rinoona nezve kugara zvakanaka kwevanhu reSocial Welfare.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe uye vari nhengo yeZanu PF VaKindness Paradza vanoti madzimai nevasikana ava vatambirwa panhandare yeHarare Airport nemakurukota ehurumende uye vanachiremba kuitira kuti vawane rubatsiro nekuzeya zvavakasangana nazvo vasati vaenda kumhuri dzavo.
"Hurumende yakakwanisa kutsvaga homwe yekutenga matikiti emadzimai nevasikana gumi neshanu vatirikutarisira nhasi manheru. Tinokurudzira vane hama dzavo dzavasiri kuziva kwadziri kuti vaende kugurukota rezve kunze ne bazi rinooana nezve kugara kwevanhu zvakanaka munyika uko vanokwanisa kuwana rubatsiro,' VaParadza vaudza Studio7.
Madzimai aya vamwe vemadzimai navana muzvare mazana maviri vanonzi vakaenda kuKuwait kunoshava mushure mekunge vavimbiswa mabasa nemakoronyera asi vakazosvikobatwa senhapwa vamwe vavo vachibhinywa.
Pane madzimai anosvika makumi mapfumbamwe anonzi akakwanisa kudzoka kumusha mushure mekuwana rubatsiro kubva kune mamwe masangano akazvimirira nemumwe muzvinabhizinesi.
Mune imwe nyaya, mumwe musikana anonzi aive mumwe wemakoronyera aitsvagira vanhu mabasa kuKuwait akarohwa nemamwe madzimai navana muzvare vainge vari panzvimbo yavanochengeterwa vasati vadzokera kumusha achinzi ndiye akanyepera vanhu kuti kune mafuro manyoro.
Musikana uyu anonzi ainge avekutiza vaaishandira sezvo ange avakunzi avadzosere mari dzavo sezvo vanhu vaakange aunza kuKuwait vainge vavekudzokera kuZimbabwe.
Studio 7 yataura nemusikana uyu uyo ati ange asingade kuti zita rake rizivikanwe asi aramba kuti ainge achishanda nemakoronyera.
VaParadza vanoti zvakakosha kuti vane hama dzavo dzakaenda kunoshava vavatsvage sezvo mabatirwo arikuitwa vanhu ava asina kumira zvakanaka.