Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Chishanu, Chivabvu 20, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Chishanu, Chivabvu 20, 2016

Vashandi veNRZ vanoratidzira muHarare nhasi.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kuUniversity yeFort Hare kupembererera makore ezana chikoro ichi chavambwa uye kunonzi kune vanhu vari kuratidzira.

Kanzuru yeHarare yombovhara mvura mukupera kwesvondo kuti igadzire michina yekugaya mvura.

Matare anoti Kanzuru yeChitungwiza imire kupwanya dzimba.

Tichakupai nhau dzemitambo iriko mukupera kwesvondo.

Tine hurukuro nemuimbi Baba Charles Charamba

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa kuratidzira kwevashandi veNRZ nemamiriro akaita zvinhu kuvashandi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Chivabvu 20, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG