Mumwe mudzimai akabuditswa muhusungwa svondo rapera anoti haasati anyatsozvigamuchira kuti akasunungurwa uye ave nemhuri yake yaakasiya makore maviri apfuura.
"Parizvino handisati ndanyatsotambira kuti ndakatoregererwa vana vangu vanogara vachivhunza kuti mhamha hamusi kudzokera here muhusungwa pese pandino buda mumba zuva nezuva asi ndinovaudza kuti kwete ndauya zvamuchose," Muzvare Nyoka vaudza Studio7.
Muzvare Kudzai Nyoka mumwe wemadzimai akaregererwa pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chekuregerera vasungwa kana kuti Presidential Pardon. Madzimai akaregererwa anosvika zviuru zviviri kusara kwemadzimai maviri akabatwa nemhosva dzehumhondi.
Muzvare Nyoka vanoti vakange vakatongerwa kugara mujeri kwemakore manomwe mushure mekunge vaita zvehukoronyera.
Vamwe vakaregererwa pasi pechirongwa ichi vanosanganisira vana vese vechidiki vari pasi pemakorore gumi nemasere, varwere nevamwe varume vakatongerwa mhosva dzisina kunyanyo simba.
Muzvare Nyoka vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vaita mabasa anoenderana nezvipo zvavo zvinosanganisira kuita nyambo, nekuita zvekusona.
"Ndakatanga chikoro chekuita zvekusona ndiri muhusungwa uye ndiri kuda kutopedzisa zvidzidzo izvi kuitira kuti ndikwanise kuita mabasa ekubatsira kuchengeta mhuri yangu," Amai Nyoka vakadaro.
Pasi pebumbiro remutemo, mutungamiri wenyika anokwanisa kuregerera vamwe vasungwa. Hurumende inonziwo iri kutatarika kuwana chikafu chekupa vasungwa zvapa kuti vakawanda vaziye nenzara.