Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti re Zimbabwe Activists Alliance, Occupy Africa Unity Square Movement neZimbabwe Women In Politics Alliance dzakabata nevamwe vana veZimbabwe, dzinoti dzirikuenderera mberi nekuratidzida kwavo kusafara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu munyika kunyangwe vachiti vakashungurudzwa mambakwedza eMugovera nevanofungidzirwa kuti mapurisa kana kuti vasori.
Nhengo idzi dziri kurara nekuswera mu Africa Unity Square muHarare uye dzinoti dziri kugadzira tsamba yenyunyuto kana kuti petition ichaendeswa kudare reparamende nekune mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe.
"Kunyangwe vakati shungurudza ticharamba tichienda mberi nekuratidzira kwedu sezvo mararamiro atiri kuita muno munyika asina kumira zvakanaka. Mari mumabhanga hamuna, mabasa hapana, vana vavazi kuenda kuzvikoro apa huwori hwuri kuramba hwuchiwanda munyika asi hapana ari kusungwa. Isu ticharamba tiri muno muAfrica Unity Square kusvika tanzwikwa zvichemo zvedu," Muzvare Lynda Masarira vesangano re Zimbabwe Women In Politics vaudza Studio 7.
Muzvare Masarira vanoti vakakwidza nyaya yavo kumagweta avo nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu asi havana kuenda kumapurisa sezvo vakambo shungurudzwa nemapurisa aya musi Chishanu.
"Hatina kuenda nenyaya yedu kumapurisa asi maphone evazhinji vari kuratidzira nesu akabiwa, ini ndikakuvadzwa ruwoko nechigunwe vamwe vakarohwa nekukuvadzwa asi izvi hazvisi kuzoita kuti tiregedze kuratidzira," Muzvare Masarira vaenderera mberi.
Vanoti nemusi weChipiri vachaita musangano nevatori venhau wekuzeya mafambiro arikuita zvinhu mukuratidzira kwavarikuita.