Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzeShona, Muvhuro, Chikumi 06, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misoro yeNhau – Muvhuro, Chikumi 06, 2016

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika gumi dzabudirira parizvino kuenda kumakwikwi eAfrica Nations Cup kuGabon.

Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vanodzokera kubasa.

Vanorwira kodzero dzevanhu vari kuratidzira paAfrica Unity Square vobirwa zvinhu zvavo.

VaWicknel Chivayo vanoti hapana chakaipa pakuferefetwa kwenyaya yehuori yavanonzi vave kuongororwa.

Bato reMDC-T rinoti kuongorora nyaya dzehuori kwakanaka asi kupedza nguva kana pasina anozosungwa.

Nyaya yekushomeka kwemari yoramba ichinetsa munyika

IMF inoti hupfumi hwenyika huri kuramba huchiderera zvakanyanya munyika dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisa Zimbabwe.

Harare Residents Trust yochema chema nekumanikidzwa kwevagari kuti vaite mapre-paid water meters.

Vanotyaira ndege kuAir Zimbabwe vanoti vakapedzisira kupihwa mari yemihoro muna 2013.

Muchirongwa cheLivetalk- na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yenhabvu- Kubudirira kweZimbabwe Warriors kuenda kumakwikwi eAfrica Nations Cup.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau, Dzanhasi Muvhuro, Chikumi 06, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG