Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change (MDC-T) rinoti mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vatadza kugadzirisa nyaya dzehuori nekudaro richakurudzira dare reparamende kuti rivhote kuti vasiye basa.
Mumiriri weMabvuku-Tafara VaJames Maridadi vakatozivisa kuti vachaisa chikumbiro ichi musi wa 6 Chikumi panovhurwa dare reparamende.
MDC-T inoti pane nyaya dzakawanda dzehuori dziri kufumurwa asi VaMugabe vakangopeta havo maoko pasina ari kusungwa.
Bato iri ririkushora zvikuru huwori hwarinoti huri munyika uye nyaya yaVaMugabe yekugara vari mundege vachienda kune dzimnwe nyika vachiziya nyika ichitatarika.
"Zvinorwadza ndezvekuti parizvino VaMugabe vari kunze kwenyika iyo nyika ichibvira isina anodzimura saka isu tirikuda kuti izvi zvigadziriswe neparamende painotanga basa svodo rinouya," VaGutu vakaudza Studio 7.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rebato reZanuPf panyaya iyi sezvo mutauriri webato iri VaSimon Khaya Moyo vainge vasiri kudaira nharembozha yavo.
Bato reMDC-T rinoi kubva zvakaitwa ongororo yeSandura Commission kumakore ekuma 1980 hakunazve dzimwe nyaya dzehuori dzati dzaferefetwa zvakasimba.
Bato irir rati riri kushamisikawo kuti VaMugabe mbune vakatenda kuti mari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu yainge yabiwa asi kusvika parizvino hapana ati asungwa.
Bato iri rakati makurukota akaita segurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo uye gurukota rezvemhando dzemhando dzemoto VaSamuel Undenge vanofanira kuferefetwa nenyaya dzehuori dzavari kupomerwa.
Hatina kukwanisa kubata VaChombo kana VaUndenge kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.