WASHINGTON —
Mudzimai waVaItai Dzamara amai Sheffra Dzamara vanoti mifananidzi iri kubuda yemunhu ari muhusungwa ndeemurume wavo.
VaTsvangirai vobuda muchipatara kuSouth Africa.
VaTemba Mliswa vomiswa pamberi pedare.
Mitumbi yenzou shanu dzakaurayiwa nemuchetura yowanikwa kuMatabelaland.
Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutaura nezvemagariro akaita vanhu munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.