Sangano re Zimbabwe Tourism Authority rinoti gadziriro ye musangano mukuru wepagore we Sanangani – Hlanganani iri kufamba zvakanaka uye vanyarikani vari kubva kune dzimwe nyika vatotanga kusvika.
Musangano uyu uchaitwa kuBulawayo svondo rinouya kubva musi wa 16 kusvika musi we Mugovera musi wa 18.
Musangano uyu unoitwa panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari asi vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri VaSugar Chagonda vanoti vari kutaura nemakurokota anoona nezvekufambiswa kwemari kuti vaone kuti pane zvingaitwe here kuti vashanyi vasatarisane nedambudziko iri.
“Isu tinoshuwira kuti vese vachashanya vakwanise kusiya mari dzamo munyika nekushandisa macredit card kuitira kuti mari iyi ishande mukurandudza hupfumi hwenyika yedu,” VaChagonda vaudza Studio 7.
VaChagonda vonoti zvakakosha kuti musangano uyu uitirwe kuzvimbo dzakasiyana siyana saka gore rino uchange uri kuitirwa kuBulawayo senzira yekupa mukana kune vanyarikani vachange vari pamusangano uyu kuti vamboonawo dzimwe dzvimbo dziri muguta iri.
Vamwe vanyarikani vakabva kuSouth Africa vanonzi vari kukurudzira kuti kuve nemari inoshandiswa ne nyika dzemu SADC sezvo mari yekuAmerica iri kuita kuti kushanya munyika kudhure.