Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau – Chishanu, Chikumi 03, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Kushaikwa kuri kuitwa mari mumabhanga kunonzi kwavekukonzera kuti vanhu vazhinji vatenge chikafu nehuwandu vachityira kuti zvinhu zvichazotanga kushayikwa zvakare muzvitoro.

Vanhu vanoramba vachiita chipata pata kutora mari mumabhanga

Varimi vefodya kuManicaland vanoti vari kufara nemari yavari kuwana.

Vakarwa hondo vanoti zvinhu zvavakavimibswa nemutungamiti wenyika havana kuzviona apo kunetsana kwoenderera mberi muZanu-PF.

Tine hurukuro nemuimbi Cynthia Mare.

Munhau dzemitambo, Zimbabwe Yotamba neMalawi mumakwikwi eAFCON 2017 kuNational Sports Stadium nemusi weSvondo.

Muchirongwa cheLivetalk- na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekuti vanhu vakawanda vave kutenga chikafu vachiisa mumatura nekutyira kuti zvinhu zvinogona kuzodhura kana kushaiwa mune remangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu, Chivabvu 03, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG