Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Chivabvu, 16, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Muvhuro, Chivabvu, 16, 2016

Sangano reZimstat rinoti mitengo yezvinhu munyika iri kuramba ichiderera zvakanyanya zviri kuratidza kuti hupfumi hwenyika hwananga kumawere.

Tine hurukuro nemuimbi Baba Charles Charamba nezverufu rwemumwe muimbi Biggie Zhanje.

Meya weHarare akambomiswa basa VaBernard Manyenyeni votaura nezvekumiswa kwavo basa.

Kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richipa kodzero yehutano kuvagari vemuZimbabwe, veruzhinji vanoti havasi kuwana kodzero iyi nekuda kwematambudziko akasiyana siyana anosanganisira kuondomoka kwehupfumi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa nyaya yekuti vanhu havasi kutenga zvinhu muzvitoro zvapa kuti mitengo yezvinhu iderere zvakanyanya kana kuti deflation.

Tichakupaiwo zvakabuda munhau dzemitambo yeCastle Premier Soccer League yakatambwa mukupera kwesvondo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Musakanganwe kufarira FaceBook Page Yedu Ye VOASHONA.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Chivabvu 16, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG