Accessibility links

Breaking News

Madzimai Nevasikana Vatanhanhatu Vodzoka Kubva Muhunhapwa KuKuwait


Human Trafficking Map
Human Trafficking Map

Mamwe madzimai emuZimbabwe matanhatu nemumwe chete wekuEgypt vainge vakapambwa vakasvika muZimbabwe nemusi weChina vachibva kuKuwait.

Madzimai aya akatengerwa matikiti nesangano reInternational Young Women Christian Association rinotungamirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu amai Nyaradzai Gumbonzvanda.

Nezuro vamwe vanhu vanonzi vakabatsira mukuendeswa kwemadzimai aya kuKuwait vakamiswa pamberi pedare. Vakamiswa pamberi pedare vanosanganisa VaJethro Madukuse, VaNyasha Bako naamai Lucia Makwangwa uye aive mushandi wepamuzinda weKuwait muHarare amai Brenda Avril May.

Vanhu ava vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso inosvika madhora mazana mashanu asi vakanzi vapote vachienda kumapurisa katatu pasvondo.

Mumwe wemadzimai akasvika muHarare ati anoda kuzivikanwa nekuti Nancy Moyo anoti anotenda muzinda weZimbabwe kuKuwait kunyanya mushandi wekumuzinda uyu VaFrancis Ngwenya avo vakabatsira mukuvatambira panguva iyo vakatiza vavaishandira. Vakatendawo nhepfenyuro yeStudio 7 nekushambadzira nyaya iyi.

"Tinotenda nyepfenyuro yenyu yeStudio7 nekutepfenya nhau dzakatipa mukana wekuziva zvanga zvichiitwa nevamwe vange vari muhunhapwa naAmai Nyaradzayi Gumbodzvanda nesangano ravo re YWCA vakatitengera matikiti, hatina kumbofungidzira kuti tichawana rubatsiro nechimbi chimbi sezvakaitika,"Muzvare Moyo vaudza Studio7.

Madzimai aya aripakati pemadzimai mazana maviri anofungidzirwa kuti akaenda kuKuwait kunotsvaga basa asi vakazo batwa senhapwa vamwe vavo vachibhinywa.

Human Trafficking - Zimbabwe
Human Trafficking - Zimbabwe

Muzvare Moyo vanoti varikutarisira kusangana nehama dzavo neChishanu sezvo vamboenda kuno chengetedzwa kune imwe nzvimbo nehurumende nemamwe masangano akazvimirira kuti vawane kumbovhenekwa navanachiremba nekutaurwa navo.

Vaenderera mberi vachiti vachada kudzokera kuchikoro nekuita mabasa ekubika sezvo vachifarira kubika.

Hurukuro NaMuzvare Nancy Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG