Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyaura neNzara kuBikita


Chibage chemunzvimbo zhinji chinonzi chatsva nezuva zvichitevera mamiro ekunze asina kumira zvakanaka zvinokonzerwa ne El Nino.
Chibage chemunzvimbo zhinji chinonzi chatsva nezuva zvichitevera mamiro ekunze asina kumira zvakanaka zvinokonzerwa ne El Nino.

Vamwe vagari veku Bikita kuMasvingo vanoti nzara yapfunya chisero mudunhu zviri kuita kuti vamwe vaende kuzvikoro boarding kunodya chikafu chinenge chasiiwa nevadzidzi vari muzvikoro izvi.

Vamwe vagari veku Bikita kuMasvingo vanoti nzara yapfunya chisero mudunhu ravo zviri kuita kuti vamwe vaende kuzvikoro zvema boarding schools kunodya chikafu chinenge chasiiwa nevadzidzi vari muzvikoro izvi.

Mumwe mugari wekuBikita, Ambuya Mubaiwa, vanoti bazi rehurumende rinowona nezvekuchengetedzwa kwevanotambura reSocial Welfare harisi kuita basa nemazvo sezvo dzimwe mhuri dziri kusiyiwa dzichiyaura nenzara mhuri shoma dzichiwana rubatsiro.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nebazi iri kuti tinzwe pfungwa dzaro panyaya iyi.

"Dai hurumende yadzosa zvayo chirongwa cheFood For Work kuti tikwanise kushandira chikafu, takangonzwa nezvacho asi vashoma vakanyoreswa kuti vapinde muchirongwa ichi," Mbuya Mubaiwa vaudza Studio7.

Goho remwaka uno rinonzi harina kumira mushe munzvimbo zhinji munyika kunyanya kuMasvingo kunobva Mbuya Mubaiwa.

Mbuya Mubaiwa vanoti ivo nemhuri yavo vari kurarama nemiriwo yavakarima mumagadheni asi havachadye katatu pazuva sezvavaimboita sezvo chikafu chiri chishoma.

"Nzara iri kunoyawoma isu hatichatombodye katatu pazuva sezvataimboita manyakare asi tinoti kuseni nemanheru ndipo panodyiwa chikafu sezvo pasina chinokwana kuti mhuri idye katatu pazuva,"Mbuya Mubaiwa vataura.

Veruzhinji vemudunhu iri vanonzi vave kutopona nekunopemha kuhama neshamwari sezvo zvinhu zviri kuramba zvichiwoma munyika panyaya yechikafu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG