Accessibility links

Breaking News

Musangano Wekurwisa Hutachiwona HweHIV/AIDS Wotanga muNew York


Musangano mukuru we kuzeya nzira dzekurwisa nekupedza chirwere che HIV/AIDS wapinda muzuva repiri nhasi muNew York ku United Nations General Assembly.

Hurumende yeZimbabwe irikumirirwa negurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa, nhengo dze dare reparamende, sangano re National Aids Council, masangano akazvimirira nevanorarama neHIV/AIDS. Musangano uyu urikutarisirwa kupera neChishanu.

Rimwe remasangano ari pamusangano uyu ndere Southern Africa HIV/AIDS Information Dissemination Service (SAFAIDS) iro rinoti zvakakosha kuti misangano yakadayi iitwe mukuyedza kurwisa hutachiwona hwe HIV nechirwere che AIDS.

Mukuru weSAFAIDS Amai Lois Chingandu vanoti kunyangwe zvinhu zvakaoma munyika vane tarisiro yekuti hurumende irambe ichitsigira zvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS ichishandisa mari inobva muhomwe ye AIDS Levy.

"Tine vimbo yekuti home ye AIDs Levy icharamba ichishandiswa nehurumende mukuita zvirongwa zvekurwisa chirwere ne hutachiwona hwe HIV/AIDS uye tiri kufara kuti hurumende yakamirirwa pamusangano uyu ne gurukota rezvehutano nevadare izvo zvinopa chiremera kumusangano uyu," Amai Chingandu vaudza Studio 7.

Hurukuro NaAmai Louis Chingandu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG