Accessibility links

Breaking News

Chichizvarwa cheZimbabwe Chinoshanda muSouth Africa kuMapurazi Choomerwa neHupenyu.


Zimbabwe Passport
Zimbabwe Passport

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe amai Melody Sibanda vanoshanda kumapurazi emu South Africa vanoti hupenyu hwuri kuvawomera sezvo vakasiya vana vavo vaviri kumusha vasina anovachengeta.

Munyika yeSouth Africa mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvikuru zvimwe zviri muhupoteri.

Amai Sibanda vanoti vana vavo vari kuBulawayo uko vanogara varivega izvo zviri kuvarwadzwa zuva zuva sezvo shuwiro yavo iri yekudzokera kumusha kunogara nemhuri yavo kana zvinhu zvanaka munyika.

Vaenderera mberi vachiti papurazi pavanogara panochengetwa mhuka kuLimpopo Province muSouth Africa asi riri kure nevamwe vanhu vavanoziva zvinoita kuti vafunge kumusha zuva nezuva dzimwe dzenguva vachisvima misodzi sezvo mari yavari kutambira isinganyatsa kuvakwanira ivo nemhuri yavo iri kumusha.

Amai Sibanda vanoti zvinonyanya kuvashungurudza ndezvekuti mwana wavo musikana akadzidza asi arikushaya basa uye akagara pamba kwemakore maviri apfura.

"Ini ndinorwadzwa nekuti handina wandinoziva mumakambani kuitira kuti mwana wangu awane basa sezvo zvangove zvechizivano mazuva ano," Amai Sibanda vanodaro.

Vanoti hurumende haisi kukwanisa kugadzirisa zvinhu munyika uye semaonero avo dai pawana vamwe vanokwanisa kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti ivo nevamwe vari kumarimuka vadzokere kunogara nemhuri dzavo.

Amai Sibanda vanoti kugara kure nevana vavo kwange kuchivarwadza asi vanogara vachikurudzira vana vavo kuti vazvibate kusvikira zvinhu zvanaka munyika.

Hurukuro NaAmai Melody Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG