Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeDare reParamende Dzokurudzira Hurumende Kuti Igadzirise Nyaya Yekupambwa kweMadzimai kuKuwait


Human Trafficking - Zimbabwe
Human Trafficking - Zimbabwe

Nhengo dzedare reparamende kubva kumapato ezvematongerwo enyika akasiyana dzakabatana mukukurudzira hurumende kuti itore matanho akasimba kuona kuti madzimai echidiki ari muhunhapwa kuKuwait nesaudi Arabia adzoke kumusha.

Madzimai anodarika mazana maviri akaenda kunyika iyi mushure mekunyeperwa nemamwe makoronyera kuti vaizowana mabasa akanaka vasingazive kuti vainge vachisvikanda mukanwa mamupere.

Amai Biata Beatrice Nyamupinga avo vanotungamira komiti inomirira nyaya dzemadzimai muparamende uye vari nhengo yeZanu PF kuGoromonzi West neChupiri vakasimudza nyaya yemadzimai aya mudare reparamende.

Svondo rapera amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga veMDC vakasimudzawo nyaya iyi uye vanoti vacharamba vachiita kuti izeyewe kusvika pawanikwa nzira dzekumisa kubatwa senhapwa kwemadzimai.

Amai Nyamupinga vanoti senzira yekuratidzira vakagara pasi mudare reparamende asi vakazokumbirwa nemutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kuti vagare pazvigaro zvavo.

"VaJacob Mudenda vakazoti kumbira kuti tidzokere kunzvimbo dzedu kuitira kuti mabasa edare aenderere mberi. Sezvo nyaya iyi iri pedyo nemoyo wavo uye variivo vakabatsira kuti madzimai nevasikana ava vadzoswe kumusha vakatikumbira kuti tidzokere kunzvimbo dzedu asi nyaya iyi ichiramba ichizeyewa mudare," Amai Nyamupinga vaudza Studio7.

Vamwe madzimai vakazobatsirwa nemasangano akazvimira anosanganisira Young Women Christian Association nemumwe muzvinabhisinesi VaWicknell Chivayo mukutengerwa matikiti ekuti vadzokekumusha mavhiki apfuura.

Amai Nyamupinga vari kuyambira madzimai nevanasikana kuti vachenjerere kumakoronyera anouya achivanyepere kuti kune mabasa kunze kwenyika kunzvimbo dzavasati vambonzwa nezvadzo.

Vanotiwo zvakakosha kuti vanenge vanzi kune mabasa vataure nemapazi ehurumende kuti kwavari kuda kuenda kwakamira sei.

"Zvakakosha kuti kana munhu asvika kunyika yaanenge aenda kunoshava aende kuEmbassy yenyika iyoyo ozivisa kuti ave munyika iyi uye kana anzi asiye passport kune vanenge vamutsvagira basa abva aziva kuti ave kutopinda munjodzi sezvo munhu achifanirwa kugara nemagwaro ake ekufambisa nguva dzose," Amai Nyamupinga vakaudza Studio7.

Hurumende inoti vanenge vachifungidzira kuti vane hama dzakapambwa kuKuwait vanokwanisa kufonera muzinda weZimbabwe munyika iyi kuti vanzwe kuti hama dzavo dziriko here uye kuti vodziwana seyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG