Accessibility links

Breaking News

Musangano Wekuzeya Nzira Itsva dzeKurwisa HIV/AIDS Woenderera Mberi MuWashington


Esteri Mutero - Aids Activist
Esteri Mutero - Aids Activist

Musangano wepagore we Aids Clinical Trials Group 2016 uyo urikuitwa muWashington DC urikuenderera mberi nhasi vanoshanda neveruzhinji vari pamusangano uyu vachikurudzira kuti vanhu vakoshese kuwongororwa hutachiwona hwe HIV/AIDS pachiri nenguva kuti vawane rubatsiro nechimbi chimbi.

Mumwe weavo vari pamusangano uyu amai Esteri Mutero avo vanomirira Waterfalls, Chitungwiza neParirenyatwa site pasi pesangano re Aids Clinical Trials Group Network vanoti zvirongwa zvekurwisa hutachiwona hweHIV/AIDS zviri kufamba zvakanaka.

"Isu ndisu tinomirira veruzhinji pamisangano yakadayi senzo panenge panenyanzvi dzinenge dzichizeya zvirikubuda muwongororo dzinoitwa pakutsvaga nzira dzekupedza hutachiwona hwe HIV/AIDS. Ini ndichange ndirikuteereya zvirikuzeyewa pamusangano uyu kuti ndizopakurirawo vamwe vari munharaunda dzandinoshandira," Amai Mutero vaudza Studio 7.

Amai Mutero vanoti munharaunda dzavano shanda munyika dambudziko rekusemwa kwevanorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS rave shoma sezvo vanhu varikupihwa zvidzidzo hwechirwere ichi zvaita kuti vanhu vanzwisise kukosha kwekuvhenekwa ropa kuitira kuti munhu azive paamire.

"Mazuva ano vashoma vanosema vanorarama nehutachiwona nekuti vanhu vakawana rudzidziso uye tiri kuramba tichivapa dzidziso dzekuti vazive kuti munhu akaenda pachirongwa chemapiritsi anokwanisa kurarama hupenyu hwakanaka zvikurusa kana achinwa mishonga yake asinganyare zvinotaurwa nevari munharaunda yaanogara," Amai Mutero vaudza Studio 7.

Musangano uyu uri kutarisirwa kupera mangwana uye uri kutsigirwa neUnited States National Institute Of Health.

Hurukuro NaAmai Esteri Mutero
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG