VaMugabe voshorwa nemashoko avo ekufananidza kunetsana kwemubato ravo nehondo yegukurahundi.
Musangano weUnited Nations High Level Meeting to End Aids wopetwa muNew York nhasi.
MaWarriors emuZimbabwe atarisana nemakundano matsva svondo rimwe chete vachangopemberera kubudirira kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.
Nhengo shanu dzesangano reOccupy Africa Unity Square, kana kuti OAUS, idzo dzakasungwa neChitatu muHarare dzamiswa pamberi pedare nhasi dzikapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Shasha yemutambo wetsiva Muhammad Ali otarisirwa kuradzikwa nhasi kuKentucky.
Muchirongwa cheLivetalk- na8.30 pm tiri kutarisa mashoko aVaMugabe ekuti vari kuda kutaura nezvechigaro chavo vari kuda kutanga hondo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.
Musakanganwe kufarira FaceBook Page yedu ye VOA SHONA.