Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi neVanorarama neHIV/AIDS Voita Musangano Mukuru muWashington DC


Amai Martha Tholana
Amai Martha Tholana

Nyanzvi munyaya dzeHIV/AIDS uye vanorarama nehutachiona uhu vari muWashington DC pamusangano wepagore we Aids Clinical Trials Group 2016 uyo wakatanga neSvondo.

Musangano uyu uri kuzeya nzira dzakasiyana siyana dzinoshandiswa mukutsvaga mishonga yakakodzera yekurapa hutachiwona hweHIV/AIDS nezvirongwa zvekuyedza kuparura kuchishandiswa kwemishonga iyi.

Musangano uyu urikutsigirwa neUnited States Institute Of Health uye uri kuunza pamwe chete nyanzvi nemasangano anoshanda nevanorarama nehutachiwona hwe HIV/AIDS kubva kunyika dzose dzepasirino kusanganisa Zimbabwe.

Muzvare Martha Tholana avo vanorarama nehutaqchiona weHIV vanoti misangao yakadai yakakosha zvikuru.

"Zvakakosha kuti kunge kuine misangano yakadayi kunyanya kunesu tinorarama nehutachiwona hweHIV/AIDS sezvo zvichitipa mikana yekuti tibvunze vanamazvikokota vanoona nezvemishonga yatinonwa" Muzvare Tholana vaudza Studio 7.

Musangano uyu urikupera memusi weChina.

Hurukuro NaMuzvare Martha Tholana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG