Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu gumi nevanomwe.
Mwanakomana wemufi, VaTonderai Ratisai, vanoti pari zvino havasati vave nehurongwa hwekuradzika amai vavo sezvo zvisiri nyore kuti vapihwe mutumbi wemufi kana akashaya neCoronavirus.
Chiremba vanoshanda kuNyanga, Dr Admore Jokwiro, avo vari muAtlanta Georgia uko vari kuita zvidzidzo zvepamusoro, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazvichengetedze mudzimba.
Makambani akazvimirira obatsira mukutenga mishina inoshandiswa mukubatsira munhu kufema panguva iyo nyika nepasi rose zvakatarisana nedambudziko reCoronavirus.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kumuguta re Milan kuItaly muzvare Lynette Mwashita vanoti zvakakosha kuti vanhu vateerere kurudziro yekuti vagare kumba sezve chirerwe che Covid-19 kana kuti coronavirus chasinga sarudze wachinobata. Veruzhi vari kukrudzirwa kugara kudzimba kubvira neMuvhuro.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe change chichidzidza muAmerica kuAndrews University kuMichagan, Muzvare Mellisa Jacquiline Mukutiri, vakashaya neMuvhuro mushure mekubatwa nechirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reWuhan muChina umo makatangira chirwere che Coronavirus VaDevine Mhlanga votaura nezve mamiriro akaita zvinhu parizvino. VaMhlanga varikuyambira veruzhinji nyanya muZimbabwe kuti vazvichengetedze sezvo chirwere ichi chichiuraya. Nyaya ina Marvellous Nyahuye
Vanofamba nemabhazi anotakura veruzhinji vanoti vava kutyira hupenyu hwavo kuburikidza nekubata chirwere cheCoronavirus sezvo vanhu vakawanda vari kufamba nemabhazi aya vakamanikidzana mumabhazi aya.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chino gara muNewYork muzvare Perpertua Muchabaiwa vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mugata reNew York pamusoro pedambudziko rechirwere cheCoronavirus. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 nezve mamiriro akaita zvinhu muguta reNewYork muAmerica.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura hurongwa huchatevedzerwa nenyika pakurwisa chirwere cheCoronavirus.
Machechi akawanda anoti ari kutevedzera zvakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvekuti vanhu vasaungane senzira yekudzivirira chirwere cheCoronaVirus kunyange hazvo chirwere ichi chisati chapinda munyika.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotara chirwere cheCoronavirus sedambudziko guru rakatarisana nenyika, ndokubva vakanzura chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair nezvimwewo.
Vakuru vekambani yeSakunda vomira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari vachitaura nezvenyaya yanetsa yemari yecommand agriculture.
Mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaMunyaradzi Masiiwa, vanodaidzwa nemapurisa epaHarare Central kuti vabvunzurudzwe, izvo zvasiya nhengo dzesangano iri dzichishushikana zvikuru.
Sangano renhabvu , reZimbabwe Football Association, Zifa, rinoudza komiti yeparamende inoona nezvemitambo kuti nepamusana pechirwere cheCoronavirus chanetsa pasi rose,
Masangano akazvimirira anobatana nemhuri yekwaDzamara mukurangarira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore mashanu apfuura, Itai Dzamara.
Chirere cheCoronavirus chauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana masere nemakumi mana nemuwe pasi rose uye chatapurirwa kuvanhu vanodarika chiuru chezana munyika zana nesere. Chirwere ichi chakatangira kuChina.
Chimwe chizvarwe cheZimbabwe Dr Rita Nyampinga vesangano re Female Prisoners Support Trust iro rinorwira kodzero dzemadzimai vari mumajeri vanoti vari kufara nekuwana ruremekedzo rwe 2020 International Women of Courage Award. Mubayiro uyu unocherechedza mabasa ehushingi anoitwa nemadzimai pasi rose.
Mapurisa anorambidza mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kudyara miti muEpworth zvichitevera chirongwa chekuchenesa munzvimbo iyi chaitwa nebasa ravo nhasi munzvimbo iyi.
Chimwe chizvarwe cheZimbabwe, Dr Rita Nyampinga, vesangano re Female Prisoners Support Trust, iro rinorwira kodzero dzemadzimai vari mumajeri, vanoti vari kufara nekuwana ruremekedzo rwe 2020 International Women of Courage Award.
Rodhai zvimwe