Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 20, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Vanofamba nemabhazi anotakura veruzhinji vanoti vava kutyira hupenyu hwavo kuburikidza nekubata chirwere cheCoronavirus sezvo vanhu vakawanda vari kufamba nemabhazi aya vakamanikidzana mumabhazi aya.

Mamwe makambani munyika otora matanho ekuona kuti vashandi vawo vadzivirirwa kuchirwere cheCoronavirus

Sarudzo ye by – election mukanzuru yeChegutu West yoitwa mangwana apo nhengo yeMDC A, Ryde Machekera iri kukwikwidzana nenhengo yeZanu PF, VaProsper Mutongerwa zvichitevera kushaya kwakanzura weMDC A, Memory Banda, gore rapera.

Vateveri vemutambo wegorofu vachambomira kwechinguvana kuona gorofu yemhando yepamusoro zvichitevera kumiswa kwemakwikwi eZimbabwe Open nemhaka yechirwere cheCoronavirus, panguva imwecheteyo, mutambo wetsiva waCharles Manyuchi wamirawo netambo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kudzokorora chirongwa chatakamboita sezvo tisingakwanisi kutepfenyura chirongwa chitsva nepamusana peCoronavirus.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG