Machechi akawanda anoti ari kutevedzera zvakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvekuti vanhu vasaungane senzira yekudzivirira chirwere cheCoronaVirus kunyange hazvo chirwere ichi chisati chapinda munyika.
Paramende inomisa mabasa ayo kusvika musi wa 5 Chivabvu ichiti iri kutorawo matanho aya senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.
Vanhu voita chipatapata kuenda muzvitoro vachinotenga zvinhu zvichitevera kurudziro yakaitwa nehurumende yekuti vanhu vasaungane nepamusana pekutyira chirwere cheCoronovirus
Studio7 inotarisa zvakadzama kuvhiringwa kuri kuitwa hupenyu hwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nechirwere cheCoronavirus.
Vaimbova gurukota muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaIgnatius Chombo, vanobviswa pahusungwa panyaya yehuori yavanga vachipomerwa sezvo hurumende yatadza kuunza humbowo hwakati tsvikiti panyaya yavari kupomerwa.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi tiri kutanga kudzokorora zvirongwa zvatakamboita sezvo vashandi veStudio7 vari kushanda vari kudzimba dzavo nepamusana peCoronovirus
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum