Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 10, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Masangano akazvimirira anobatana nemhuri yekwaDzamara mukurangarira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore mashanu apfuura, Itai Dzamara.

Dare remakurukota rogara kuitira kuti ritore matanho pazvinhu zvakawanda zviri kuitika munyika.

Studio7 inotarisa zvakadzama mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzeCoronavirus.

Sangano reUnited States Agency for International Aid robatsira mabasa ebudiriro kuMasvingo neManicaland.

Mari yemunyika iri kupera simba izvo zviri kuvhiringa mabasa ekusimudzira hupfumi hwenyika

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zuva reInternational Women’s Day takatarisa zviri kusangana nevanasikana munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG