Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 14, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Nhau Dzanhasi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Huwandu hwevanhu vabatwa neCoronavirus muZimbabwe hunosvika pavanhu gumi nevanomwe.

Dare redzimhosva rinopa mutungo wekuti madhokotera nevamwe vashandi vemuzvipatara vapihwe mbatya dzekuzvidzirira vari pabasa, uye kuti mapurisa asashungurudze vanhu vanenge vachizvifambira panguva yo nyika yakavharwa.

Nhengo dzeparamende dzinoti dzinoda kuva nechekuita muhurongwa hwehurumende hwekurwisa kupararira kweCovid-19, uye kuti veruzhinji vange vachipihwa zvikwanisiro pakugadzira zvinhu zvekudzivirira chirwere ichi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya kuvhiringwa kuri kuitwa hupfumi hwenyika nechirwere cheCoronavirus.

Hurumende inoti yava kudzika mutemo unoranga vanhu vanofambisa mashoko emanyepo pamusoro peCovid-19

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus takatarisa vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short W

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG