Accessibility links

Breaking News

Dr Rita Nyampinga Vanopihwa Mubayiro we 2020 Women's Courage Award


Dr. Beauty Rita Nyampinga,

Chimwe chizvarwe cheZimbabwe, Dr Rita Nyampinga, vesangano re Female Prisoners Support Trust, iro rinorwira kodzero dzemadzimai vari mumajeri, vanoti vari kufara nekuwana ruremekedzo rwe 2020 International Women of Courage Award.

Mubayiro uyu unocherechedza mabasa ehushingi anoitwa nemadzimai pasi rose, uye unopihwa nebazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Dr Nyampinga vanoti havana kumbofunga kuti vangawana ruremekedzo rwakadai, vachiti vakafadzwa zvikuru nekucherechedzwa pamwe nemamwe madzimai gumi nemumwe vanobva kunyika dzakasiyana siyana pasi rose.

Muzvare Beatrice Mtetwa - 2014 Women Of Courage
Muzvare Beatrice Mtetwa - 2014 Women Of Courage

Dr Nyampinga vanoti vachange vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana muAmerica kuitira kuti vanodzidza mamiriro akaita zvinhu mumajeri kuitira kuti vazokwanisa kusimbaradza mabasa avanoita kumusha.

Dr Nyampinga vanoti mabasa avo anoda kushinga uye vari kufara kuti kune vamwewo vange vachiwona mabasa avari kuita kumusha.

Muzvare Jestina Mukoko
Muzvare Jestina Mukoko

Vachitaura pachiitiko ichi, munyori mubazi rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaMichael Pompeo, vakati mabasa akabatwa nemadzimai gumi nemaviri ava anoyemurika uye anoda kushinga.

Chirongwa ichi chakatangwa makore gumi nemana apfuura.

Mamwe madzimai akawana ruremekedzo urwu vanobva ku Afganistan, Armenia, Azerbaijan, Bolivia, Burkino Faso, Kazakhstan, Malaysia, Nicaragua, Pakistan, Syria, Yemen ne Zimbabwe.

VaPompey vakati zvirongwa zvakadayi zvakakosha sezvo zvichipa madzimai mukana wekuti aite mabasa ekurwira kodzero dzevamwe pasi rose.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mudzimai wemutungamiri weAmerica, Amai Melania Trump, vakati vanofadzwa nemabasa ekurwira kodzero dzevanhu ari kuitwa nemadzimai pasi rose.

Vakati kubvira pavakatanga kusangana nemadzimai anenge asarudzwa kuti acherechedzwe kwemakore mana apfuura, vanoramba vachisangana nemadzimai ari kuita mabasa anoyemurika pasi rose kunyangwe hazvo vamwe vacho vanoita mabasa aya vachisangana nekushungurudzwa asi vachiramba vachiita mabasa aya.

Dr Nyampinga vanoti vakatanga kuita mabasa ekurwira kodzero dzevanhu makore makumi matatu apfuura.

Kunze kwesangano ravo, Amai Nyampinga vari mubhodhi emasangano anoti Women’s Coalition Of Zimbabwe, Crisis In Zimbabwe Coalition, Women Academy on Political Leadership Excellence ne Women And Aids Support Network.

Mamwe madzimai ekuZimbabwe akambowana mubairo uyu anosanganisira Amai Jenni Willaims, Amai Magodonga Mahlangu, Muzvare Jestina Mukoko na Amai Beatrice Mtetwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG