Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 16, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Vakuru vekambani yeSakunda vomira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari vachitaura nezvenyaya yanetsa yemari yecommand agriculture.

Zimbabwe inoti haisi kuvhara miganhu neSouth Africa parizvino kunyangwe hazvo vakawanda vari kuramba vachibatwa nechirwere checoronavirus munyika iyi.

Tiri kutarisazve mamiriro akaita zvinhu kuManicaland papera gore vanhu venzvimbo iyi vawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.

Mutambi wetsiva Charles Manyuchi anoti anotarisira kukunda mumutambo wake weWorld Boxing Council Middleweight muna Kubvumbi.

Muchirongwa chedu cheLivetalk- na8pm, nhasi tiri kutarisa nyaya yechirwere checoronavirus icho chiri kupararira pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG