Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 12, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Sangano renhabvu , reZimbabwe Football Association, Zifa, rinoudza komiti yeparamende inoona nezvemitambo kuti nepamusana pechirwere cheCoronavirus chanetsa pasi rose, rinoshuvira kuti mitambo yenhabvu iri kuitirwa kuAlgeria neSouth Africa imbomiswa. Asi sangano reConfederation of African Football rinoti mitambo yenhabvu haisi kuzokanzurwa nepamusana peCoronavirus.

Kugadzirira kweZimbabwe kudzivirira kupinda munyika kwechirwere cheCoronavirus munyika kworamba kuchitaurwa hurumende ichiti yakagadzirira zvikuru asi vamwe vachiti Zimbabwe inogona kupinda panguva yakaoma kana chirwere ichi chikanyuka munyika.

Kupesana kwoitika mumusangano weTripartite Negotiating Forum zvichitevera danho ratorwa nehurumende rekukanzura musangano uyu izvo zvasiya vashandi nevashandirwi vachigunun’una zvikuru.

America inobuda negwaro rinobata zviri kuitika munyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe panguva iyo America inobvisa pazvirango vanhu vatatu vakafa, uye VaRay Kaukonde, avo vachiri vapenyu.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa gwaro reAmerica munyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZanu PF nemadzisahwira ayo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG