Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 26, 2020


Makambani akazvimirira obatsira mukutenga mishina inoshandiswa mukubatsira munhu kufema panguva iyo nyika nepasi rose zvakatarisana nedambudziko reCoronavirus.

Vagari vekuMasvingo voenderera mberi nemabasa avo semazuva ose panguva iyo veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasaungana senzira yekudzivirira chirwere cheCoronavirus.

Hurumende yokurudzira kuvharwa kwemabhawa kunze kusati kwasviba kuitira kuti vanhu vasapinde muna taisireva nenyaya yeCoronavirus kana vachinge vadhakwa.

Studio7 inotarisa zvakadzama kugadzirira kwehurumende kudzivirira chirwere cheCoronavirus.

VaGodfrey Tsenengamu, avo vakadzingwa muZanu PF, vanokumbira ruregerero kuvana veZimbabwe vachiti pane zvavakatadza apo vaive muZanu PF.

Muchirongwa cheWomen's RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi panguva iyo pasi rose riri kurwisana neCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG