Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri muChina, America neBritain Zvotaura Pamusoro Pedambudziko reCoronavirus


Samatha Sibanda China
Samatha Sibanda China

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzinoti China, America ne Britain zvinoti dambudziko rechirwere checoronavirus riri kubatwa zvakasiyana siyana munyika idzi.

Vamwe vari kuChina vanoti vachiri vakavharirwa mudzimba zvichitarisirwa kuti zvicharamba zvakadayi kwemwedzi miviri inotevera.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muBeijing, kuChina Muzvare Samantha Sibanda vanoti vari kugara vakazvivharira mudzimba vachiti panguva pfupi yavanobuda vanenge vachinotenga zvekudya zvinovararamisa kwenguva refu.

MuChina ndimo makatanga chirwere ichi asi ikozvino chave kupararira kunyika dzakawanda kusanganisira muAmerica.

Perpetua Muchabaiwa
Perpetua Muchabaiwa

Vachitaura vari muguta reNew York muAmerica Muzvare Perpetua Muchabaiwa vanoti vari kutyira hupenyu hwavo sezvo vachishandisa zvitima nemabhazi kuenda kubasa. Vatiwo zvimwe zvinhu zvekushandisa kudzivirira kutapurirana chirwere ichi zvakaita semagirovhosi nemimwe mishonga hazvichawanikwe muzvitoro.

Vanoti vamwe vanoshanda mumabasa ezve mari pamusika weWall Street vari kupihwa gadziriro yakasimba sezvo pari kutyirwa kuti zvinogona kudonhedza hupfumi hwenyika hwepasi rose.

Chirwere ichi chinonzi chauraya vanhu makumi maviri muAmerica. Zvimwe zvikoro zviri kuvharwa mumatunhu akaita seWashington Seattle, California, Washington DC New York nedzimwe.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muBritain VaTodd Maforimbo vanoti kune dzimwe nzvimbo zvikoro zvavharwa kuitira kuti vezvehutano vapfapfaidze mushonga kuti chirwere chisapararire.

Vanoti vachitarisa mabatirwo ari kuitwa dambudziko recoronavirus munyika havana chivimbo chekuti Zimbabwe yakagadzirira zvakakwana kunyangwe hazvo gurukota rezvehutano Dr Obidiah Moyo vari kuti nyika ine zvikwanisiro zvakakwana. Britain pari zvino ine vanhu mazana maviri nemakumi masere vakabatwa nechirwere ichi.

Todd Maforimbo
Todd Maforimbo

Vesangano reWorld Health Organization ne hurumende yeChina vakapa Zimbabwe zvikwanisiro zvekushandisa mukurwisa denda iri svondo rapera zvikaendeswa kuchipatara cheWilkins.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji pasi rose zvinoti kunyangwe hazvo denda iri rave kuwanikwa munyika dzavanogara shuwiro yavo ndeyekuti chisatekeshere muZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG