Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedzera kurudziro yehurumende yekuti vagare kudzimba mumazuva akatarwa kuitira kuti vasawanikwe vachibatira hutachiwona hweCoronavirus kana kuti Covid -19.
Chiremba vanoshanda kuNyanga, Dr Admore Jokwiro, avo vari muAtlanta Georgia uko vari kuita zvidzidzo zvepamusoro, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazvichengetedze mudzimba.
Dr Jokwiro vanoti munhu kana achinge anzwa kupisa kwemuviri, kukosora zvisina garurwa, kurwadziwa nepahuro nekutadza kufema anofanirwa kuende kunzvimbo dzakatarwa nehurumende kuti aongororwe kana aine chirwere cheCoronavirus.
Pari zvino Zimbabwe ine vanhu vasere vakabatwa nechirwere ichi uye munhu mumwe chete, Zororo Makamba, akafa nechirwere ichi.
Dr Jokwiro vari pachirongwa che Hubert Humphrey Fellowship Program paRollins School of Public Health, Emory University.
Facebook Forum