Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi China Kurume 19, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura hurongwa huchatevedzerwa nenyika pakurwisa chirwere cheCoronavirus.

Masangano evarairidzi okukurudzira kuti zvikoro zvose zvivharwe senzira yekudzivirira vana vechikoro kuchirwere cheCoronavirus.

Apo nyika iri mushishi rekugadzirira kudzivirira kuti chirwere cheCoronavirus chisapinde munyika, zvimwe zvipatara zvinoti zvave kutora matanho ekuchengetedza varwere, vashandi pamwe nevashanyi kuitira kuti vasabatwe nechirwere ichi

Mapato anopikisa anoti kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika kuri kuda kuitwa nehurumende kwakanangana nekuendesa masimba kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, izvo zvinonzi neZanu-PF hazvina kuipa sezvo isingadi majongwe maviri mudanga

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi tiri kutanga kudzokorora zvirongwa zvatakamboita sezvo vashandi veStudio7 vari kushanda vari kudzimba dzavo nepamusana peCoronovirus

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG