Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chinofa muAmerica neCoronavirus


Chimwe chizvarwa cheZimbabwe change chichidzidza muAmerica kuAndrews University kuMichagan, Muzvare Mellisa Jacquiline Mukutiri, vakashaya neMuvhuro mushure mekubatwa nechirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19.

Muzvare Mukutiri vange vave nemakore gumi nemapfumbamwe.

Hanzvadzi yavo, VaTafadzwa Mandaza, avo vari kuZimbabwe, vanoti mhuri yavo yarasikirwa zvikuru.

Vatiwo amai vaMuzvare Mukutiri vanogara kuMichigan, vakadzimirwa nerufu urwu zvekuti vari kutadza kana kutaura izvo zvaita kuti vati Studio7 itaure naivo Va Mandaza.

Muzvare Mukutiri vanonzi vange vane chirwere che asima asi vakazobatwa neCoronavirus iyo yazotora hupfenyu hwavo.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaMuzvare Mukutiri hausati hwaziviswa.

"Tiri kudzamirwa semhuri uye baba vamuzvare Mukutiri vakashaya vakasiya amai vake vari chirikadzi. Vakauya kuAmerica semhuri uye muzvare vaigona zvikurusa muchikoro vachifarira kuvenga mabhuku avo, mhuri yedu yarasikirwa zvikuru," VaMandaza vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rechikoro chepamusoro paidzidza Muzvare Mukutiri sezvo nhare dzepachikoro ichi dzange dzisiri kudairwa sezvo zvikoro zvizhinji zvakavharwa muAmerica pari zvino nepamusoro pedambudziko rechirwere cheCoronaviru.

Muzvare Mukutiri vanonzi vakatanga kurwara vari kuchikoro ndokuzoendeswa kuchipatara uko vakazoshaya vari.

Muzvare Mukutiri ava munhu wechipiri ari chizvarwa cheZimbabwe kushaya nechirwere cheCoronavirus zvichitevera kushaya kwemutori wenhau, Zororo Makamba, mwanakomana wamuzvnabhizinesi James Makamba.

Zororo aradzikwa neChipiri muHarare pachitevedzwa zviri kukurudzorwa kuti munhu avigwe mukati memaawa makumi maviri nemana mushure mekufa neCovid-19.

America iri kutatarikawo kurwisa chirwere ichi. Dunhu reMichigan, uko kwanga kuchidzidza Muzvare Mukutira, rave nevanhu nemazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete vabatwa nechirwere ichi, ukuwo vanhu makumi maviri nevana vachinzi vafa nechirwere ichi.

America yose yava nevanhu vanodarika makumi mashanu ezviuru vabatwa neCoronavirus, uye vanhu mazana matanhatu nemakumi manomwe vafa nechirwere ich kusvika pari zvino.

Pasi rose rava nevanhu vanodarika mazana mana ezviuru vabatwa nechirwara chakatangira kuChina gore rapera, uye vanhu vafa pasi rose vadarika zviuru gumi nezvisere zvine mazana mashanu nemakumi mashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG