Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 13, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaMunyaradzi Masiiwa, vanodaidzwa nemapurisa epaHarare Central kuti vabvunzurudzwe, izvo zvasiya nhengo dzesangano iri dzichishushikana zvikuru.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nevamwe vavo muchikwata chePolitical Actors Dialogue vakakurudzira kuti nhaurirano chete ndidzo dzinoita kuti zvinhu zvinake munyika.

Kugadzirira kweZimbabwe kudzivirira kupinda munyika kwechirwere cheCoronavirus munyika kworamba kuchitaurwa hurumende ichiti yakagadzirira zvikuru asi vamwe vachiti Zimbabwe inogona kupinda panguva yakaoma kana chirwere ichi chikanyuka munyika.

Chikwata cheHighlanders chokweshana mangwana kuBarbourfields ne FC Platinum mumakwikwi eCastle Challenge Cup

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika takatarisa chirwere cheCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

,,,.Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG