Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 06, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anorambidza mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kudyara miti muEpworth zvichitevera chirongwa chekuchenesa munzvimbo iyi chaitwa nebasa ravo nhasi munzvimbo iyi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoita hurongwa hwavo hwekuchenesa nzvimbo kwaGutu kunzvimbo yeMupandawana.

Kanzuru yeMutare inozivisa vagari kuti kushaikwa kwemafuta emotokari kwava kutadzisa kuti iite mabasa ayo ekutakura marara.

Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe ronyunyuta nezviri kuitwa nehurumende iyo inonzi iri kumanikidza varairidzi kunyora mafomu ayo vasingazive kuti achashandisweyi.

Komiti yeparamende inoona nezvakatikomberedza yoshushikana nemabatirwo ari kuitwa matoro munyika.

Chikwata cheZimbabwe Warriors chopinda mukembi mugadziriro yemakwikwi e2020 Africa Nations Championships.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva kuwedzerwa negore kwakaitwa neAmerica pazvirango zvayakatemera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vavo muZanu PF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG