Mhuri yekwaRatisai inoti iri kushushikana zvikuru mu London, ku Britain, zvichitevera kushaya kwa Ambuya Constance Ratisai ku London kwakare mushure mekunge vabatwa nechirwere cheCoronvirus.
Mhuri iyi inoti haisi kubvumidzwa kuuungana kuti icheme hama yayo.
Mwanakomana wemufi, VaTonderai Ratisai, vanoti pari zvino havasati vave nehurongwa hwekuradzika amai vavo sezvo zvisiri nyore kuti vapihwe mutumbi wemufi kana akashaya neCoronavirus.
Ambuya Ratisai, avo vange vave nemakore makumi matanhatu nemasere ekuberekwa, vange vachishanda semukoti kwemakore akawanda uye vakasiya vana vatatu nevazukuru.
"Pari zvino tiri kurwadziwa sezvo hama neshamwari dzisiri kubvumidzwa kuuya kuzotibata mawoko nenyaya yemalockdowns ari kuitwa pasi rose. Vanhu vari kutobata mawoko padandemutande, WhatsApp nezvimwe saka ndingori ini nasisi vangu vanogara muno muBritain tichingonyararidzana," VaRatisai vaudza Studio 7.
VaRatisai vanoti ivo ndivo wekupedzisira mumhuri yavo uye vange vaine tarisiro yekuti amai vavo vaizopona asi vakakatyamadzwa pavakaudzwa kuti amai vavo vainge vashaya sezvo vange vari pachipatara chepamusoro.
VaRatisai vanoti havasati vanyatsodavira mumoyo mavo kuti amai vavo vakashaya uye panguva yavanonzwa nyaya yehuwandu hwevanhu vashaya kubva kuchirwere ichi muBritain, vanobva varwadziwa zvikuru sezvo amai vavo vari mumwe wevanhu ava.
Britain ine vanhu vanorika zviuru makumi matanhatu vabatwa nechirwere ichi, kusanganisira mutungamiri wenyika iyi, Boris Johnson, avo vaburitswa muIntensive Care Unit neChina manheru, uye vanhu vanodarika zviuru zvinomwe vafa neCoronavirus munyika iyi.
Pasi rose, vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vanosvika zviuru makumi mapfumbamwe vafa neCoronavirus, iyo yakatanga kuChina gore rapera.
Facebook Forum