Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 17, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotara chirwere cheCoronavirus sedambudziko guru rakatarisana nenyika, ndokubva vakanzura chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair, kumisa mitambo yose munyika, pamwe nekurambidza kuungana kwevanhu vanodarika zana, kusanganisira kuungana pamichato nedzisvondo.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoenda kuChina kunorapwa panguva iyo vanhu vakawanda vari kurambidzwa kuenda kunyika dziri kunetsekana nechirwere cheCoronavirus.

Bazi reZimbabwe Statistical Agency rinoti mari yemunyika iri kuramba ichipera simba zvakanyanya.

Sangano reBroad Alliance Against Sanctions rinomira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika richikurudzira kuumbwa kwemutemo inoomesera vanhu vanokurudzira kuti zvirango zvitemerwe nyika uye kuomesera vatori venhau vanoburitsa nhau dzinorerekera kutsigirwa kwezvirango.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa dambudziko reCoronavirus pamwe nekodzero dzevanhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG