Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zviviri nezana rine makumi maviri nevana.
Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vomiswa pamberi pematare edzimhosva.
Vasungwa makumi manomwe nevatanhatu pamwe nevachengeti vepajeri re Grey Prison muBulawayo vanobatwa nechirwere cheCovid-19
Huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakwira kusvika pachiuru nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 1 089.
Apo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara.
Vadzidzi vakawanda vari kunyora bvunzo dzechikoro chepamusoro cheZimbabwe Open University muChinhoyi vanoti havasi kufara nekunyorera bvunzo panzvimbo yeChinhoyi Training centre iyo iri kuchengeterwa vanhu vari kuongororwa kuti vane cherwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.
Hurumende yakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi matatu nevana kana kuti 1 034.
Mapato makuru munyika anoti reZanu-PF neMDC Alliance haana kupinda mumusangano wange wakokerwa nemasangano emachechi kuti uzeye kuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo zvigadziriswe.
Mumwe mudzimai weku Victoria Falls amai Lydia Zulu vanoti ivo nemhuri yavo vari kufara nechirongwa chavarikuita mudunhu ravo rekumaruva cheku batsira vana vechikoro nedzidzo panguva Iiyo zvikoro zvakavharwa nepamusoro nedambudziko rechirwere cheCovid-19. Marvellous Mhlanga-Nyahuye anotaura navo.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChina kusvika pamazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevatanhatu, kana kuti 926, uye vanhu vafa vava gumi nevaviri.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChitatu kusvika pamazana masere nemakumi masere nevashanu, kana kuti 885, vafa vachiri vapfumbamwe.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChipiri kusvika pamazana manomwe nemakumi masere nevanomwe, kana kuti 787, vafa vari vapfumbamwe.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMuvhuro kusvika pamazana manomwe nemakumi matatu nevana, kana kuti 734, vafa vari vapfumbamwe.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChina kusvika pamazana matanhatu negumi nevanomwe, kana kuti 617, vafa vachiri vanomwe.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChipiri kusvika pamazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete, kana kuti 591, vafa vachiri vanomwe.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMuvhuro kusvika pamazana mashanu nemakumi manomwe nevana, kana kuti 574, vafa vari vanomwe.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChina kusvika pamazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe chete.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana mashanu nemakumi matatu, vafa vachiri vatanhatu.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana mashanu nemakumi maviri nevashanu, vafa vari vatanhatu.
Rodhai zvimwe