Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 16, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakwira kusvika pachiuru nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 1 089, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi maviri nevashanu vaine chirwere ichi.

Vanachiremba vakuru vari pasi pesangano reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association vanopa hurumende mazuva gumi nemana ekugadzirisa zvinhu muzvipatara pamwe nemihoro yavo, kukundikana kwayo, voramwa mabasa.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoparura hurongwa hwebhajeti yepakati pegore.

Vari kukokera hurongwa hwekuratidzira musi wa Chikunguru 31, VaJacob Ngarivhume, vanoti hurongwa hwavo huchaenderera mberi zvisineyi kuti hurumende iri kuti kuita izvi kunenge kuchityora mitemo yeCovid-19 National Lockdown Regulations.

Dare redzimhosva rinoti mupurisa ari munyaya iri kupomerwa vatori venhau vaviri, Frank Chikowore naSamuel Takawira, ngaasungwe sezvo atadza kuuya kudare nhasi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisadambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikura munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG