Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 03, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChina kusvika pamazana matanhatu negumi nevanomwe, kana kuti 617, vafa vachiri vanomwe.

Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kuyambira hurumende kuti iongorore vanhu zvakasimba chirwere cheCovid-19 sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huru kuramba huchikwira munyika.

Sangano revanogaya upfu reGrain Millers Association of Zimbabwe rinoti mutengo wechingwa wadzika kutanga nhasi kubva pamadhora makumi manomwe nemapfumbamwe kuenda pamadhora makumi matanhatu nematanhatu emari yemunyika parofu, zvichienderana nemutengo wedhora rekuAmerica pamusika wemari weForeign Currency Auction System wakaparurwa neReserve Bank of Zimbabwe masvondo maviri adarika.

Mumiriri weFrancistown East muBotswana, VaHonest Buti Billy, vokurudzira hurumende yavo kuti ipe zvizvarwa zveZimbabwe magwaro ekugara pamwe nekushanda munyika iyi.

Nyanzvi dzehutano munyaya dzenhabvu dzinobuda nehwaro hunofanirwa kutevedzerwa nezvikwata zvenhabvu kuitira kuti mitambo yenhabvu itange kuchitambwa pasina njodzi yekutapurirana hutachiona hwe coronavirus

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzehupfumi pamwe nedambudziko re coronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG