Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaChamisa Vokundikana Kupinda Musangano Wakokerwa neMakereke


Rev Dr Kenneth Mtata

Mapato makuru munyika anoti reZanu-PF neMDC Alliance haana kupinda mumusangano wange wakokerwa nemasangano emachechi kuti uzeye kuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo zvigadziriswe.

Munyori mukuru weZimbabwe Council Of Churches Reverend Kenneth Mtata, vanoti kunyangwe hazvo mapato aya asina kuuya pamusangano vange vakapa pfungwa dzavo kare mune zvimwe zvirongwa zvakamboitwa.

Vati vakwanisa kuita musangano nemapato akawanda kusanganisira abva kwaMutare nekuBulawayo.

Rev Mtata vaudza Studio7 kuti zvisungo zvabuda pamusangano uyu ndezvekuti pave nemumwe musangano mukuru uchasanganisira vemachechi, madzishe, vemapato ezvematongerwo enyika, vechiuto, vehurumende nevemapato akazvimirira nevamwe kuti vazeya nyaya yezvinetswa zvakatarisa nyika parizvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG