Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 24, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zviviri nezana rine makumi maviri nevana kana kuti 2 124. Izvi zvinouya panguva iyo nyanzvi mune zvehutano dziri kukurudzira kuti veruzhinji vasimbe kutevera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi..

Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, anonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso uye anzi adzokere kudare musi wa 7 Nyamavhuvhu.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights ropikisa kanzuru yeguta reBulawayo kuchinja kwayakaita mamwe mazita emigwagwa yeguta iri.

Mapurisa nemasoja anozara anoenderera mberi achirambidza vanhu kupinda mukati memaguta

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG