Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 25, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pamazana mashanu nemakumi matatu, vafa vachiri vatanhatu.

Kuramwa basa kwevashandi vemuzvipatara zvehurumende kuri kuenderera mberi hurumende ichinzi haisati yadaidzira musangano wekugadzirisa zvichemo zvavo panyaya yemari dzavanotambiriswa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzozeya zvinoreva kudzingwa kwenhengo dzeMDC-Alliance mudare reparamende takanangana nematunhu adzinomirira, ayo asiiwa asina vamiriri zvichitevera kunetsana kuri pakatikwemapato eMDC-T neMDC Alliance.

Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vari kuchema chema zvikuru nekushaiwa mvura mudzimba dzavo zvichitevera kufa kwakaita muchina unopomba mvura kudhamu reMutirikwi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvipingaidzo zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG