Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 07, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMuvhuro kusvika pamazana manomwe nemakumi matatu nevana, kana kuti 734, vafa vari vapfumbamwe.

Vanhu vakawanda vanobatana mukuchema Mbuya Chamisa, amai vemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, avo vakashaya kuGutu nezuro.

Komiti inoona nezvekutongwa kwematunhu inosangana nekanzuru yeguta reBulawayo ichizeya dambudziko remvura rakatarisana neguta iri.

America yobatsira Zimbabwe nemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica iyo ichashandiswa mukurwisa dambudziko renzara ratekeshera munyika.

Vanorarama nekutengesa votambira nemufaro danho rakatorwa nekanzuru yeguta reHarare rekuvhura zvakare misika yakanga yambovharwa nekuda kwechiwere cheCovid-19, asi vachichema nemari inoita madhora mashanu iri kunzi vabhadhare pazuva.

Vanhu vakawanda vari kutambira nemaonero akasiyana siyana danho riri kuda kutorwa nevanopikisa pamwechete nevanorwira kodzero dzevanhu munyika, rekuratidzira pakupera kwemwedzi uno, vachiratidza kusafara kwavo pamusoro pemamiriro akaita hupfumi hwenyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nebvechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG