Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 22, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zvichitevera kufa kwevamwe vashandi vaviri muHarare nekuda kwechirwere cheCovd-19, gurukota rinoona nezvevashandi, VaPaul Mavima, vanoti vave kubatana nevashandi nevashandirwi kuona kuti vashandi havatapurirwe chirwere ichi vari pamabasa.

Kunyange hazvo bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira asingabvumirane nedanho rekusimbaradza kudzivirira kupararira kweCovid-19, vanoti danho iri rakakosha zvikuru uye inofanira kutevedzwa.

Mamwe masangano anorwira kodzero munyika pamwe nekambani yeEconet Wireless aenda kumatare edzimhosva achikumbira matare aya kuti amise mapurisa kupenengura zviri munharembozha dzevanhu vanoshandisa kambani yeEconet.

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vomiswa pamberi pematare edzimhosva.

Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanonzi vakapambwa nemauto pamba pavo nezuro manheru

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reCalifornia muno muAmerica, pamusoro pekukwira zvakare kwehuwandu hwevanhu vave kubatwa neCovid-19 mune mamwe matunhu emu America, kusanganisira dunhu reCalifornia, uye kuti zvii zvavari kuitawo kuti vachengetedzeke.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisadambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikura pasi rose

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG