Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 30, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMuvhuro kusvika pamazana mashanu nemakumi manomwe nevana, kana kuti 574, vafa vari vanomwe.

Mapurisa mashanu akabatwa nechirwere cheCovid 19 nezuro zvotyirwa nenyanzvi kuti zvinogona kureva kuti chirwere ichi chave kupararira zvakanyanya munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzoyambira hurumende kuti kumbovhara musika wemari kana kuti Zimbabwe Stock Exchange kuchapa kuti hupfumi hutonyanya kugwadama sezvo vanoda kuuchika mari vanenge voona Zimbabwe senyika isina kugadzikana.

Vadzidzi vanotanga kunyora bvunzo munzvimbo dzakasiyana siyana sangano reZimsec richiti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

Murwiri wekodzero dzevanhu, VaEphraim Mtombeni, vanonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso zvichitevera kusungwa kwavakaitwa nemapurisa nemusi weSvondo. VaMtombeni vanzi vadzoke kudare musi wa Chikunguru 13.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki panguva iyo nyika yakatarisana nedambidziko reCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG