Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 14, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi matatu nevana kana kuti 1 034, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi mana nevapfumbamwe vaine chirwere ichi, pavanhu zviuru zviviri nezana negumi nevapfumbamwe (2 119) vakavhenekwa nezuro wakare.

Mapurisa nemasoja otenderera muguta reHarare achiudza vanhu kuti vasarirwa nemazuva gumi ekupinda muguta sezvo mushure memazuva gumi aya hapana vanhu vanenge vobvumidzwa kubuda mudzimba dzavo.

Masangano akazvimirira okurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti varwise huori nemazvo kwete kuti vangotaura chete vachishoropodza huori pasina chiri kuitwa mukuona kuti huori hwarwiswa nemazvo munyika

Vadzidzi vekuZimbabwe Open University vonyorera bvunzo dzavo paChinhoyi Qurantine Center, apo pari kuchengeterwa vanhu vakabva kunze kwenyika vachiongororwa kuti vane hutachiona hwe Coronavirus here kana kuti kwete.

Mhirizhonga yevatyairi vemagonyeti yoramba ichienderera mberi muSouth Africa izvo zviri kuisa hupenytu hwezvizvarwa zveZimbabwe panguva yakaomarara munyika iyi.

Rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira robatsira nemvura vamwe vagari vemuBulawayo vari munzvimbo dzakatarisana nedambudziko remvura.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevadzidzi muzvikoro zvepamusoro soro muAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG