Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 17, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakakwira nezuro kusvika pachiuru nemazana matatu nemakumi matanhatu nevaviri, kana kuti 1362, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 273 vaine chirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hwakakwira nezuro kusvika pamakumi maviri nevatatu, uye vapora vave mazana mana nemakumi maviri nevashanu, 425.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzokurudzira kuti vanhu vakawanda vavhenekwe kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete hwe Coronavirus kuitira kuti nyika inyatsoziva paimire padambudziko iri.

Varume vakapakatira zvombo vanopinda nechisimba mumba yemutungamiri weAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vachiti vari kuda kuziva kuna VaMasaraure.

Vanotungamira nhabvu muZimbabwe vari kusangana mangwana vachikurukura nyaya yekuti mitambo yenhabvu yoenderera mberi here kana kuti sekuronga kwazvanga zvakaitwa kuti itange muna Gunyana. Michael Kariati anotipa nyaya inotevera

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisadambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikura munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG