Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 15, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Apo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba kuri kuenderera mberi sezvo vari kutadza kuwirirana nehurumende panyaya yemihoro.

Dare repamusoro kuMasvingo rinotambira chikumbiro chekuti murongi wemisangano yevechidiki muMDC Alliance, VaGodfrey Kuraone, vabhadhare mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo zvichitevera kusungwa kwavakaitwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa nezvekukwira zvakare kwehuwandu hwevanhu vave kubatwa neCovid-19 pasi rose izvo zvaita kuti dzihurumende dzitore matanho akasiyanasiyana ekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisamatambudziko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG