Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 10, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChina kusvika pamazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevatanhatu, kana kuti 926, uye vanhu vafa vava gumi nevaviri.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti sezvo huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira, nokudaro vachaongorora zvakare matanho ekutora senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vemabhizinisi madiki pamwe nevatongesa mumigwagwa vochema chema kugurokota rezvemabhizinisi madiki vachiti vanodawo kuti vapihwe mari dzekubatsirikana munguva ino yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chiri kuvhiringa mabhizinesi avo.

Dare redzimhosva rotarisirwa kupa mutongo waro pamhosva iri kupomerwa madzimai matatu eMDC Alliance anoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova.

Sangano reZimbabwe Council of Churches neMuvhuro unouya riri kutarisirwa kutungamira musangano unotarisirwa kupindwa nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ose emunyika nechinangwa chekuedza kutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko akonzerwa nekusawirira mune zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikura munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG