Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 08, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChipiri kusvika pamazana manomwe nemakumi masere nevanomwe, kana kuti 787, vafa vari vapfumbamwe.

Vanhu vakawanda vanobatana mukuradzikwa kwaMbuya Chamisa, amai vemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo varadzikwa zvine mutsindo nhasi kumusha kwavo kwaGutu mudunhu reMasvingo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodzinga basa gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, avo vari kupomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero pahuori hunonzi hwakaitwa nekambani yeDrax International pamwe neNatPharm mukutengwa kwezvinhu zvekushandisa mukurwisa Covid-19.

Vanhu vakawanda votadza kutora mari kuWestern Union neMukuru dzavanenge vatumidzirwa nehama neshamwari dziri kunze kwenyika.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechimwe chizvarwa chinotyaira magonyeti muSouth Africa, icho chinoti vazhinji vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera kuratidzira kuri kuitwa nezvizvarwa zveSouth Africa zviri kurambidza vekunze kushanda munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuvatyairi vemagonyeti kuSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG