Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 21, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vasungwa makumi manomwe nevatanhatu pamwe nevachengeti vepajeri re Grey Prison muBulawayo vanobatwa nechirwere cheCovid-19

Nyaya yekuvharwa kwenyika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 yokonzera mutauro wakanyanya munyika.

Hurumende inoudza zvikoro zvepamusoro soro kuti zvizvarwe zvose zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19.

Mapurisa ari kusecha kumba kwaHopewell Chin’ono, uyo akasungwa nezuro achipomerwa mhosva yekufurira vanhu kuti vapandukire hurumende, anonetsana nemagweta emutori wenhau uyu mushure mekunge ada kutora midziyo yaanoshandisa mukuita basa rake, iyo inonzi nemagweta aya haisi pagwaro rekusecha mumba make kana kuti search warrant.

Izvi zvinoitika panguva iyo mamwe mapurisa ari kusechawo kumba kwemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vari kupomerwawo mhosva imwecheteyo.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti Harare ne Bulawayo pari zvino ndiwo maguta anyanya kuvhiringwa nedambudziko reCoronavirus, nokudaro maguta aya anofanirwa kuongororwa zvakadzama

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisadambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikura munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG